1 Thessalonians 3

1Saka patakanga tisingagoni kuramba takatsunga, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene. 2Takatuma Timoti, anova ndiye hama yedu nomushandi waMwari pamwe chete nesu pakuparadzira vhangeri raKristu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu, 3kuti parege kuva nomunhu anozungunutswa nemiedzo iyi. Munozviziva chose kuti takanga takanangana nayo. 4Chokwadi ndechokuti, pataiva nemi, takaramba tichikuudzai kuti tichatambudzwa. Uye zvakabva zvaita saizvozvo, sezvamunoziva kwazvo. 5Nokuda kwaizvozvo, pandakanga ndisisagoni kutsunga, ndakatuma shoko kuti ndizive nezvokutenda kwenyu. Ndakatya kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai uye kubata kwedu kukava pasina.

Mashoko aTimoti anokurudzira

6Asi Timoti achangosvika kwatiri zvino achibva kwamuri uye akauya namashoko akanaka ezvokutenda kwenyu norudo rwenyu. Akatiudza kuti munogara muchifunga zvakanaka nezvedu uye kuti munoshuva kutiona, sezvatinoshuva nesuwo kukuonai. 7Naizvozvo, hama, mukusuwa kwedu kwose uye nokutambudzwa kwedu, takakurudzirwa pamusoro penyu nokuda kwokutenda kwenyu. 8Nokuti zvino tiri vapenyu chose, sezvo imi mumire nesimba muna She. 9Tichavonga Mwari zvizere sei nokuda kwenyu kuti tidzorere mufaro wose watinawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu? 10Usiku namasikati tinonyengetera zvikuru kuti tikuoneizve uye kuti tizadzise zvamusina pakutenda kwenyu.

11Zvino Mwari wedu, Baba pachavo naIshe wedu Jesu ngavatizarurire nzira kuti tiuye kwamuri. 12Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri. 13Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose.

Copyright information for SnaBDSC